Revelation of John 22

Rwizi rweupenyu

1Zvino wakandiratidza rwizi rwemvura yeupenyu rwakachena, yakapenya sekrisitaro*, ichibuda pachigaro cheushe chaMwari, necheGwayana. 2Pakati penzira yaro uye kurutivi urwu neurwu rwerwizi kune muti weupenyu unoita zvibereko gumi nezviviri, uchibereka zvibereko zvawo mwedzi umwe neumwe; nemashizha emuti aiva ekuporesa ndudzi. 3Zvino hakuchavizve nekutuka kwese; asi chigaro cheushe chaMwari necheGwayana zvichava mariri; uye varanda vake vachamushumira, 4zvino vachaona chiso chake; nezita rake richava pahuma dzavo. 5Zvino usiku hahuchazovipo ipapo, uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari anovapa chiedza; uye vachatonga kusvikira rinhi narinhi.

Mashoko ekupedzisira

6Zvino akati kwandiri: Mashoko awa akatendeka uye ndeechokwadi; uye Ishe, Mwari wevaporofita vatsvene, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.

7Tarira, ndinokurumidza kuuya. Wakaropafadzwa anochengeta mashoko echiporofita chebhuku iri. 8Zvino ini Johwani, ndini ndakaona zvinhu izvi uye ndakanzwa. Zvino ndakati ndanzwa nekuona, ndakawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzemutumwa wakandiratidza zvinhu izvi. 9Zvino akati kwandiri: Rega kudaro; nokuti ndiri muranda pamwe newe, newehama dzako vaporofita, newevanochengeta mashoko ebhuku iri; namata Mwari. 10Zvino akati kwandiri: Usavharira nemucherechedzo mashoko echiporofita chebhuku iri, nokuti nguva yava pedo. 11Anoita zvisakarurama ngaagare achiita zvisakarurama; neane tsvina ngaagare ane tsvina; newakarurama ngaagare achiruramiswa; mutsvenewo ngaagare achiitwa mutsvene. 12Zvino tarira, ndinouya nekukurumidza; uye mubairo wangu uneni, kuti ndiripire umwe neumwe sezvichava mabasa ake. 13Ini ndiri Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, Wekutanga neWekupedzisira. 14Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nekodzero yemuti weupenyu, vagopinda nepamasuwo muguta. 15Asi kunze kune imbwa, nevaroyi, nemhombwe, nemhondi, nevanamati vezvifananidzo, nevese vanoda nhema vachidziita. 16Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kukupupurirai zvinhu izvozvi pamakereke. Ini ndiri mudzi nechizvarwa chaDhavhidhi, nyeredzi inopenya uye yemangwanani. 17Zvino Mweya nemwenga vanoti: Uya! Naiye anonzwa ngaati: Uya! Uye ane nyota ngaauye; neanoda ngaatore mvura yeupenyu pachena. 18Nokuti ndinopupura kune wese anonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri; 19uye kana munhu akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari achabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nepaguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri. 20Anopupura zvinhu izvi anoti: Hongu, ndinouya nekukurumidza. Ameni. Hongu uyai, Ishe Jesu. 21Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.

Copyright information for Shona